Murume ange achi kutsvagwa nemapurisa zvakanyanya muItaly ari mukuru wechikwata cheMafia, Matteo Messina Denaro akasungwa musi we muvhuro 16 Ndira 2023.
Denaro ainzi ndiye aitungamira chikwata cheCasa Nostra mafia akasungwa pane imwe kirinika kuPalermo.
Mapurisa ange ave nemakore makumi matatu achimutsvaga.
Matare akatonga Denaro asipo akabatwa nemhosva dzekuponda dzinodarika gumi kusanganisira kupondwa kwevachuchusi vehurumende Giovanni Falcone na Paolo Borsellino muna 1992
Denaro akamboti anokwanisa kuzadza nzvimbo yose inoradzikwa vanhu achiviga vaakaponda chete





Mhinduro (0)