Jekeso

ZACH yokohomedza chirongwa cheSASA

ZACH yokohomedza chirongwa cheSASA

Sangano reZimbabwe Association of Church-Related Hospitals (ZACH) rakaita musangano nevatori venhau musi wa 14 -16 Chikunguru 2023 muHarare nekuMarondera.

Musangano uyu waikurudzira vatori venhau kuti vaburitse pachena budiriro yaunzwa nechirongwa cheSASA ( zvichireva kuti Start ,Awareness,Support ,Action ) mukuderedza mhirizhonga (GBV) neHIV.

Zvakaonekwa nana mazvikokota kuti pane kudyidzana kuripo pakati pezviitiko zvemhirizhonga nekupararira kweHIV.

Chirongwa ichi icho chiri muzvikamu zvina chinonangana nekurwisa mhirizhonga seimwe nzira yokuderedza nayo kupararira kwehutachiona hweHIV.

Sanduko yakanaka yechirongwa ichi inooneka kana pane kuenzaniswa kwemasimba pakati pevanhurume pamwe nevanhukadzi.

Nyaya dzekuroorwa kwevana vari pasi pemakore gumi nemasere dzinoramba dzichipfumurwa pamwe nekutsoropodzwa uyewo kurudziro yokuyananiswa kwemitemo kuti pasave nevanoenda pabonde nevana vari pasi pemakore ari mubumbiro remutemo.

Magakava emudzimba anoyananiswa pasina mhirizhonga.

Chirongwa ichi icho chave padanho rechina rinozivikanwa kuti ACTION chinomiririra masimba akabatanidzwa uye anoramba achichengetedzwa kudzivirira mhirizhonga yakanangana zvikuru nevanhukadzi.

Danho iri rinokurudzira kushandidzana nekuita muonera pamwe unoramba uchienderera mberi ,kuitira kuti chibodzwa chokudzikisira mhirizhonga neHIV chibudirire.

Mhinduro (0)

Dzimwe nhau