Vachitaura pamusangano wekutsvaga rutsigiro muKwekwe nhasi ,mutungamiri webato reCitizens Coalition for Change (CCC) vaNelson Chamisa vati ivo vari kutarisira kukunda zvine mutsindo musarudzo dziriko musi wa 23 Nyamavhuvhu.
Musangano uyu waitirwa munhandare yeMbizo vaChamisa vati ivo hurumende yavo ichazovandudza mararamiro everuzhinji vachishandisa zviwanikwa zviri munyika.
Vavimbisa kuti ivo vachaunza shanduko yebudiriro kuburikidza nehumhizha hwezvivakwa nemigwagwa zvechizvino kufanana nedzimwe nyika dzakabudirira
VaChamisa vati ivo varimi vakagariswa patsva havafaniri kutya sezvo vasingazobviswi pavhu ravo.
Vavimbisawo kuti fundo yekuPuraimari ichange iri pachena.
Vanhu vanodarika zviuru zvitatu vaungana pamusangano uyu
Muzvare Judith Tobayiwa ndivo vachange vakamirira Kwekwe Central ,vaCorban Madzivanyika vachamirira Mbizo uye vaLloyd Mukapiko vakamiririra Redcliff mudare reparamende musarudzo iyi
musangano uyu waitwa murunyararo





Mhinduro (0)