VaEmmerson Dambudzo Mnangagwa vanogadzwa kuve mutungamiri wenyika zvichitevera kukunda kwavakaita musarudzo dzakaitwa musi wa 23 Nyamavhuvhu 2023.
Mhemberero idzi dzakaitirwa munhandare yeNational Sports stadium musi wemuvhuro 04 Gunyana 2023.Vatungamiri pamwe nevamiriri vedzimwe nyika vakange varipowo pagungano iri.
Vachipa mashoko avo vaMnangagwa vakati ivo zvakakosha kuti veruzhinji vashande nesimba nokubatana kuitira kuti nyika igowana kubudirira.
VaMnangagwa vakakunda vamwe vapfumbamwe vavaikwikwidza navo.Asi va Nelson Chamisa vebato re CCC avo vaifemera kugotsi ravaMnangagwa mumakwikwi aya vanoti sarudzo idzi hadzina kufambiswa zvakanaka.





Mhinduro (0)