Sangano reTRA (Tenants & Residents Association) muguta reKwekwe rinoti riri kushushikana nekumbunyikidzwa kuri kuitwa kodzero yekuwanisa vana dzidzo muzvikoro.
Sachigaro wesangano iri Rev Jackie Ngulube vanoti varikushaya hope nekushungurudzwa kwevana avo vari kudzingwa kuzvikoro nenyaya yefees.
Gwaro rakanyorwa neTRA rinoti iro kutyora mutemo uye kodzero yemwana kumudzinga pachikoro.Vana havafanirwe kurangirwa kukundikana kwevabereki kubhadhara mari yechikoro.
Naizvozvo zvikoro zvinofanira kuvandudza nzira dziri pamutemo kukurudzira vabereki kuti vabhadharire vana vavo mari dzinodiwa.





Mhinduro (0)