Izvi ndezvimwe zvakabuda muhurukuro yaive pakati pevatori venhau ,vanoshanda mabasa ekuchera pamwe nevanorwira zvisungo zvekuchengetedzwa kwenharaunda muguta reKwekwe munguva pfupi yadarika.
Hurukuro iyi yakarongwa nesangano reMISA Zimbabwe iro rinoshanda pamwe nevatori venhau muno.
Vainge vakamirira sangano revanhukadzi vari mune zvekuchera (Women in Mining) muzvare Priscilla Mashinge vakati ivo zvizhinji zviri kuitika mubasa ravo zvinokanganisa mamiriro enharaunda zvinosanganisira kucherwa kwemakomba ayo anozosiyiwa akadaro.
Muzvare Mashinge vakatiwo vanoshushikana nenyaya yevashandi vanoita mabasa okuchera vasina zvekusimira zvinovadzivirira (Protective Clothing).
Izvi zvinosiya vazhinji vari munjodzi yekukuvara kana kubata zvirwere zvine njodzi kuutano hwavo.
‘’Nenyaya yekushaya zvikwanisiro zvakakwana vema small scale miners vari kupinda mumigodhi vasina mbatya dzekuzvidzivirira zvakakwana’’
‘’Dzimwe nguva vanoputitsa mahora pasi pemigodhi vasina kupfeka zvinodzivirira kuti vasafema guruva rinopfumbuka kana vachiputitsa matombo.Izvi zvinogona kusiya vazhinji vari munjodzi yokubata zvirwere zvemapapu’’
Mumwe wevanorwira kuchengetedzwa kwenharaunda Percy Javangwe akakurudzira kuti patorwe matanho akasimba kuti nharaunda dzichengetedzeke zvikuru munzvimbo dzinoitwa zvekucherwa.
VeEnvironmental Management Authority (EMA) vakakurudzirwa kuti vasimbise mabasa avo uye kuona kuti avo vanotyora mitemo varangwa .
Vatori venhau vakakurudzirwa kuti vaongorore uye nekudzidzisa voruzhinji maererano nezvakakakoshera kuchengetedzwa kwenharaunda.
Gore rino muna Chivabvu chikoro che Globe and Phoenix Primary chakavharwa mushure mokunge imwe kirasi hwaro hwayo hwaondomokera nekuda kwemabasa okuchera zviri kunze kwemutemo muberevere rechikoro ichi
Zvichakadaro gore rino Zimbabwe inoti yakakwanisa kuwana mari zhinji kupinda mamwe makore yezvicherwa zvakatsaukana munyika ,kusanganisira Lithium iyo irikudiwa zvikuru pasi rose.
Vamwe voti dai uzhinji hwemari iyi yashandiswa kugadzirisa nharaunda dziri kuwondongwa nemabasa ekuchera aya
.Panofanira kuve nekusanduka kwemiono maererano nekukoshesa mabatirwo anoitwa nharaunda sezvo iri nhaka yeramangwana.
Kana nharaunda dzikaparadzwa zvinorevavo kuparadzwa kweremangwana.





Mhinduro (0)