Jekeso

Voshaya hope nokuda Kwekatsi neMazizi.

Voshaya hope nokuda Kwekatsi neMazizi.

Vamwe vagari vemuKwekwe kumisha inogara veruzhinji voti voshaiswa rugare padzimba dzavo nokuda kwekatsi nemazizi panguva yeusiku.

Vachitaura nepepanhau rino vagari ava vanoti vamwe vavo vave kuvata panguva dzemasikati sezvo hope dzisiri kubata panguva yeusiku nokuda kwekuchema neruzha runoitwa nekatsi neMazizi aya.

Mumwe mugari wekuMbizo 8 akati iye kudivi kwavanogara Katsi dzinotanga kuchema kuma10pm kusvikira koedza kuma 3am.

‘’takamboedza kudzinga katsi idzi asi takakundikana.Dzikatanga kuchema kuma 10pm dzinozomira kuma3am mangwanani. Dzinoshiringinya dzichitambira pamusoro pemba zvekuti vanhu vanorara vakasvinura’’.

Sekuru Mpofu vanotiwo huwandu hwemazizi munharaunda yavanogara muMbizo makare iri kuvashamisa chose.

‘’Mumakore makumi maviri nekuraudzira andagara mumusha uno ,ndiri kuona kuti mazizi ari kuwedzera huwandu. Akatanga kuchema muraini rino ,unonzwa neari kuraini rekuseri achidavirirawo.’’

‘’Usiku hwose iringori hiii hiii hiii kuchema kwawo.Dai dzaive shiri dzinodyiwa dzimwe nguva angadai akatapudzika.’’

‘’Kana pakasatorwa matanho ndiona musha wese wapambwa nemazizi ’’ vakadaro vaMpofu.

Asi vamwewo vati mhuka idzi dzinofungidzirwa kuti dzinoshandiswa nevanoita mabasa akaipa usiku.

‘’Mazizi neKatsi zvipuka zvinoshandiswa nevaroyi ’’

‘’ Zvinoshandiswa kufurufusha vavanovenga kana kuti vavanoitira godo.’’

‘’ dzimwe nguva tinofunga kuti iKatsi nemazizi sokuona kwedu ,asi iri mishonga yemashiripiti’’ vakadaro Gogo Ncube.

Mufundisi Moyo vakatiwo mazizi nekatsi zvipuka zvakasikwawo saka kuwanda kwazvo hakufaniri kushamisa vanhu, uye nguva yemanheru ndipo pazvino vhima makonzo kuti zviwane kudya

Mhinduro (0)

Dzimwe nhau