Jekeso

Dunhu reKwekwe rakagadzirira Cholera

Dunhu reKwekwe rakagadzirira Cholera
Sachigaro weKwekwe District Civil Protection Unit vaFortune Mpungu

Dunhu reKwekwe rakagadzirira chose kudzivirira chirwere cheCholera uye pane matanho ari kutorwa kuitira kuti veruzhinji vagare vakadziviririka.

Izvi zvakaziviswa nasachigaro we District Civil Protection Unit va Fortune Mpungu pamusangano wakaitirwa mukwekwe musi wa 17 Mbudzi 2023.

Musangano uyu wakarongwa neve Zimbabwe Union of journalist (ZUJ) waive wakananga nokuda kuziva kuti vatungamiri vakagadzirira zvakadii kudzivirira chirwere cheCholera.

Vachiparura musangano uyu District Development Coordinator vaMpungu vakazivisa kuti Dunhu reKwekwe rakagadzirira chose kudzivirira chirwere che manyoka eCholera.

District Civil Protection Unit inosanganisira makanzuru emunharaunda , vashandi vehurumende ,makambani ,madzimambo zvakare nemasangano akazvimirira (NGO).

‘’Isu seCivil Protection Unit takatora matanho kuti tidzivirire cholera. Danho rekutanga ta activator komiti yedu uyewo nekuita zvirongwa zvekuzivisa veruzhinji maererano neCholera.’’

‘’Sekuziva kwedu cholera inouya mushure mokunge padyiwa tsvina.Saka kudzivirira tsvina kudzivirira cholera’’

‘’Tiri mushishi kuzivisa veruzhinji mudunhu nokuvadzidzisa zveutsanana. Zvipatara zvedu zvose zvakaziviswa kuitira kuti kana pane vanenge vabatwa cholera vanenge vave kuziva kuti vozviita sei.’’

‘’Takabata madzimambo edu nemasabhuku kuti vaparidzirewo shoko iroro rehutsanana , ishoko riri kufamba mativi ose mudunhu‘’

‘’ Taka ongororawo nzvimbo idzo dzinogona kuti chirwere ichi chitapukire ,dzinosanganisira nzvimbo dzinobikwa sadza ,nzvimbo yakaita se Redcliff sezvo kusingasvike mvura ,nzvimbo dzemabhawa uko vamwe vanozvibatsira panzvimbo dzisina kufanira.’’.

Nzvimbo dzinobikwa sadza zviri kunze kwemutemo dzodziviswa.

‘’Takataurira guta reKwekwe kuti vambomisa nzvimbo dzinobikirwa sadza pasina zvimbuzi kuti pambomiswa kushanda.’’

Makanzuru anofanira kubhajeta mari inozoshandiswa munguva yenjodzi.

‘’Takakurudzirawo makanzuru kuti vagare vakabhajeta mari inozoshandiswa kana paita njodzi ,kuti tigare takagadzirira’’ vakadaro vaMpungu.

Chirwere cheCholera chirikubata vazhinji munyika zvikuru mumadhorobha makuru. Nyaya yekusashambidzika ,kushaikwa kwemvura nekusatakurwa kwemarara mumisha inogara veruzhinji ndizvo zvino nyanyokonzera kupararira kwechirwere ichi.

Kusvika musi wa 7 Mbudzi 2023 chirwere che cholera chakabata vanhu 6,685 uye 136 vakashaya

Veruzhinji vanokurudzirwa kuti vageze maoko esipo uye kuti vasadye michero kana zvinobikwa panzvimbo isina kushambidzika.

Mhinduro (0)

Dzimwe nhau