Bhazi re Good Riders ranga richienda kuSouth Africa ratsva kusara demhe pamusika wemabhazi muKwekwe nhasi mangwanani, asi hakuna vakuvara muchiitiko ichi.
Bhazi iri iro ranga richibva kuGokwe harina kuzopedza rwendo mushure mokubata moto riri pamusika unomira mabhazi muguta reKwekwe.
Vange varipo zvichitika vanoti rangotanga kutsva kubva pavhiri rekurutivi rwemutyairi izvo zvaita kuti vange vari mubhazi iri vaite chipatapata chokubuda pamwe nemidziyo yavo.
Hakuna vakuvara muchiitiko ichi .
Vanodzima moto vemuKwekwe vakundikana kusvika kuti vazodzimura moto uyu kunyange hazvo vari pedyo nemusika wemabhazi. Izvo hazvina kufadza vagari vemuKwekwe.
Vanodzimura moto vekuRedcliff ndivo vazosvika havo kunyange hazvo moto wanga watoti mbombo kudzima woga .





Mhinduro (0)