Jekeso

Nandos Kwekwe yakazarura mukova zvakare

Nandos Kwekwe yakazarura mukova zvakare

Chitoro cheNandos muKwekwe icho chakange chambovhara , chazarurwa zvakare nhasi mushure mokuvandudzwa.

Chitoro chinotengesa zvekudya ichi chakange chakavharwa mwedzi mitatu yadarika ,kuitira kuti mabasa ekuchivandudza aenderere mberi.

Maneja wechitoro ichi vazivisa kuti vakavandudza nzvimbo iyi kuti ikwanise kupamhidzira huwandu hwevanogona kudyira panzvimbo iyi.

Meya weguta reKwekwe vaAlbert Zinhanga avo vanga vari muenzi anoremekedzwa vati ivo vanofara zvikuru nokuda kwekuti vamwe vagari vemuKwekwe vachange vachizowaniswa mabasa.

‘’Isu sekanzuru tinofara chose nekuvandudzwa kwechitoro ichi ,sezvo nesu tagara tichishandidzana navo'

tinotarisira kuti vamwe vagari vemuno muKwekwe vachawaniswawo mabasa’’ vakadaro vaZinhanga.

Mhinduro (0)

Dzimwe nhau