Zororo rekisimusi gore rino rakave nemutsauko panzvimbo yekwaJoel muZhombe sezvo pasina kuita mhirizhonga kana kuve neakapondwa kufanana nemamwe makore.
Vagari venzvimbo iyi vakafara zvikuru nebasa rakaitwa nemapurisa eZRP rokuchengetedza runyararo panzvimbo iyi.
Vazhinji vakapemberera zororo iri vakasununguka panzvimbo yemabhizimusi iyi.
Vamwe vakanga vauya kubva kunyika dzakatikomberedza , zvikuru veku South Africa. Vakafara kuzopemberera pamwe nehama dzavo kumusha murunyararo.
‘’Gore rapera hatina kutamba zororo zvakanaka nokuda kwevanhu vayida zvokurwisana.Mapurisa akazopedzisira akanda utsi hunokashidza kuti vabve panzvimbo iyi ,senzira yekuchengetedza runyararo pamwe nemidziyo ’’ akadaro muzvare Sally Mkwananzi.
'kana tichinge tadzoka kumusha tinenge tichida kuzofara pamwe nekuonana nehama neshamwari ' akadaro Mkwananzi‘’Rwendo rwuno tave nenguva yakanaka yokutengesa muzvitoro zvedu ,sezvo mapurisa anga aripo kuchengetedza runyararo.’’
Makore adarika taikasira kuvhara zvitoro zvedu tichityira kuti dzimwe nguva panogona kutanga mhirizhonga’’ Akadaro mumwe muzvina bhizimusi wepaJoel asina kuda kuzivikanwa nezita
Zvichakadaro musi uyu chingwa rakave dambudziko ,zvekuti vazhinji havana kukwanisa kuchiwana.
Bakery rimwe chete riri panzvimbo iyi harina kukwanisa kubika chingwa chaikwanira munhu wese.Mamwe mabakery anosiunza chingwa panzvimbo iyi ,musi uyu hapana vakauya nechingwa





Mhinduro (0)