Jekeso

Mugwagwa weZhombe wotyisa nezvipfuwo

Mugwagwa weZhombe wotyisa nezvipfuwo
Mombe iri kufungidzirwa kuti yakarohwa nemotokari

Mugwagwa unoenda kuZhombe wave riva nokuda kwezvipfuyo zvinomberereka zvisina vanotarisira.

Zvipfuwo izvi zvikuru mombe zvinongona kuve njodzi huru kune vanoshandisa mugwagwa uyu.

Zvichakadaro nhasi pane mombe tema yakafa iri parutivi pemugwagwa pedyo nenzvimbo yemabhizimusi yeZororo ,inotaridzira kuti ingangodaro yakarohwa nemotokari.

Nguva dzemanheru inoda kuti vanoshandisa mugwagwa uyu vagwarire.

Mhinduro (0)

Dzimwe nhau