Jekeso

Vodiridzira kuSt Andrews Zhombe East

Vodiridzira kuSt Andrews Zhombe East
Dhamu re St Andrews kuZhombe East

Zvichitevera kunaya kwemvura mukupera kwemwedzi waZvita tichipinda mugore idzva ra2024 ,vamwe vagari vekuZhombe East nzvimbo yamambo Gwasela voraramiswa nekudiridzira mabindu sezvo dhamu diki riri pedyo navo rofashukira.

Dhamu iri riri pedyo nechikoro che st Andrews rave nemvura ,zvoita kuti mabasa ekudiridzira ave nyore.

Mhuri dzakakomberedza nzvimbo iyi havasisina dambudziko remuriwo sezvo vave kukwanisa kudiridzira mabindu avo.

Asi vamwe vagari vanotiwo dai kanzuru ZRDC (Zibagwe Rural District Council )yapota ichikupa dope iro ravanoti razarisa mudhamu iri

Izvi zvokonzerawo kuti rikasire kufashukira, uye zvinozoitawo kuti mvura iyi igokasira kupera umwe mwaka wemvura usati wasvika.

Nzvimbo yeZhombe inonaya mvura iri pakati nepakati zvichienda kushoma nokudaro madhamu maduku anobatsira kuti veruzhinji vawane mvura yokushandisa mubabasa akatsaukana ebudiriro zvakare zvipfuwo zvinowana mvura yokunwa.

Mhinduro (0)

Dzimwe nhau