Bazi rezveutano razivisa kuti chirwere chemanyoka eCholera chichiripo uye hurumende iri kutora matanho ekuti chirwere ichi chisapararire.
Mumashoko avo kuvatori venhau muguta reHarare nhasi 24 Ndira gurukota rebazi iri vaDouglas Mombeshora vazivisa kuti huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere kusvika musi wa 23 Ndira 2024 kubva pachakatanga vave zviuru makumi maviri nezana nemakumi maviri neumwe chete (20 121).
Vakafa pamwe nevanofungidzirwa kuti vakafa nechirwere ichi vave kusvika mazana mana nemakumi mana nenomwe (447)
Nzvimbo dzakanyanya kupararira chirwere ichi dzinosanganisira Harare , Chitungwiza ,Buhera, Gutu ,Chiredzi Mazowe neMbire.
Nzvimbo dzinobatsira vanenge vawirwa nechirwere ichi dzinosvika zana nemakumi mashanu nenhatu (153) munyika yose zvayo.
Chirwere ichi chinogona kudzivirirwa kana veruzhinji vakachengetedza nharaunda dzavo dzakachena kusanganisira kushandiswa kwezvimbuzi zvakadziviririka.
Kugeza maoko nemvura yakachena ,pamwe nokudya zvakashambidzika kunobatsira kudzivirira kutapukira kwemanyoka aya.





Mhinduro (0)