Jekeso

America ine hurongwa hwekupa nyika mari yekurwisana nenzara

America ine hurongwa hwekupa nyika mari yekurwisana nenzara

America inoti iri kupa Zimbabwe mari yerubatsiro inosvika mamiriyoni makumi matanhatu nechidimbu (60.55 Million )zvemadhora ekuAmerica, iyo ichashandiswa mukurwisa dambudziko renzara munyika.

Vachitaura vakamirira mumiririri weAmerica muZimbabwe, Ambassador Brian Nichols, Muzvare Stephanie Funk vanova mukuru we U.S. Agency for International Development muZimbabwe, vati mari iyi ichapiwa kuWorld Food Program kuti ibatsire avo vakatarisana nenzara yekushaya zvekudya kutanga mwedzi waNyamavhuvhu.

Muzvare Funk vatiwo vanotarisira kuti vanhu vanosvika miriyoni imwechete vachabatsirikana zvakanyanya panonyanyonetsa zvekudya muna Ndira kusvika muna Kubvumbi 2021.

Mugwaro ravabudisa, Ambassador Nichols vatiwo apo Zimbabwe yakatarisana nematambudziko enzara nedenda reCOVID-19, America yakazvipira kubatsira vanhu vemuZimbabwe.

Zimbabwe Vulnerability Assesment Committee, iyo inosanganisira bazi rezvekurima nemamwe mapazi, inoti vanhu vanodarika mamiriyoni mashanu kumaruwa vakatarisana nenzara.

World Food Program inoti vanhu vanosvika mamiriyoni masere muZimbabwe yose vanoda rubatsiro rwechikafu kudzamara mwaka wekukohwa wasvika gore rinouya.

Mhinduro (0)

Dzimwe nhau