Muyimbi ayive nemukurumbira pamusambo we Disco music Patricia Majalisa hakuchina.
Mutauriri wake Oscar P akapupura nezve kushaya kwaMajalisa muchipatara kuSouth Africa.Oscar Tee Majalisa akatsigirawo nezverufu rwaPatricia.
‘’ichokwadi kuti Patricia Majalisa hakuchina , asi ndiri kuenda kuchipatara kunoona chiremba kuti anditsanangurire kuti zvakafamba sei.Asi chokwadi ndechokuti iye hakuchina’’adaro Oscah Tee pasina zvimwe zvaazojekesa.
Majalisa ndeumwe wevaimbi vaibva kunyika yeSouth Africa vaifarirwa zvikuru munyika yeZimbabwe nedzimwe dzakakomberedza.





Mhinduro (0)