Huwandu hwevanhu vabatwa ne Covid-19 munyika hwakakwira kusvika pachiuru nemakumi masere nevapfumbamwe kana kuti 1 089, zvichitevera kuwanikwa kwevamwe vanhu makumi maviri nevashanu vaine chirwere ichi.
Apowo huwandu hwevanhu vari kufa nekubatwa nechirwere cheCovid-19 huri kuramba huchikwira munyika.
Huwandu hwevanhu vafa nechirwere cheCovid-19 munyika hwakakwira neChipiri kusvika pamakumi maviri mushure mekunge bazi rezvehutano razivisa kuti pane mumwe mwana akashaya ari muchipatara kuMatabeleland South.
Kuramwa mabasa kwevashandi vemuzvipatara kusanganisira vakoti navana chiremba kuri kuenderera mberi sezvo vari kutadza kuwirirana panyaya yemuhoro nehurumende.
Asi kunyange hazvo zvinhu zvisina kumira zvakanaka kudai, hurumende iri kutatarika kuwirirana nevashandi vemuzvipatara avo vavekutokwanisa mwedzi vachiramwa basa.
Vashandi ava vanyorera tsamba vakafanobata chigaro chegurukota rezvehutani, Muzvinafundo Amon Murwira, vachiti mari inodiwa nemushandi pane zvinhu zvakakosha pamwedzi yadarika madhora emunyika zviuru makumi maviri nepfumbamwe kana kuti ZW$29, 000 asi mushandi achitambira madhora zviuru zvina zvichidzika parizvino.
Vashandi vatiwo vachienzanisa nedzimwe nyika dzekuchamhembe kweAfrica, vakoti vari kutambira chiuru chimwe chete nemazana maviri emadhora ekuAmerica asi muZimbabwe vachipihwa madhora makumi manomwe chete.





Mhinduro (0)