Sangano reGweru Residents Forum rinoti iro dambudziko rezvokufambisa nderimwezve ringangodaro richikonzeresawo kutapukira kwechirwere cheCovid 19 zvikuru mumaguta.
Mugwaro ravakaburitsa, iro rakanyorwa musi wa15 Chikunguru ,vanoti ivo muongororo yavo Social Distancing haisi kutevedzwa panokwirirwa mabhazi anoenda kuMkoba North,Mkoba South neWoodlands kubva muguta.
Vanotiwo bazi reLocal Government,Urban and Rural development rinofanira kuona kuti dambudziko rezvekufambisa ringapedzwe sei , kunyange hazvo pari zvino zvichitaridzira kuti bazi iri harina zvikwanisiro zvokugadzirisa dambudziko iri nechimbi-chimbi.
VaCharles Mazorodze vanove ivo mutungamiri mukuru musangano iri vakataridza kushushikana zvikuru apo vaitaura neJEKESO ,asi vakakurudzira kuti dambudziko iri rinogona kureruka kana zvokufambisa izvo zvakashomeka pari zvino zvikawedzerwa.
‘’zvokufambisa zvakakwana zvikavepo zvinoderedza mikana yokutapukira Covid 19 ,zvikuru voruzhinji pavanenge vari pamitsara yemabhazi’’
VeZupco vanofanira kuona kuti Social Distance yacherechedzwa.Kuwanikwa kwemafuta edzimotikari nemabhazi kunorerutsawo dambudziko rezvifambiso zvikuru panguva inowanda vanhu.
Panofanira kuve nenzira dzakavandudzika dzokurerutsa matambudziko ezvekufambisa zvikuru mukutakurwa kweveruzhinji.
Huwandu hwevari kubatwa neCovid 19 munyika huri kuramba huchikwira nenzira inotyisa,uye bazi rezveutano rinotiwo kupararira kuri kuwedzerawo apo vanhu vari munyika vari kutapurirana pachezvavo yavanoti local transmission.
Vanhu vashaya nechirwere ichi vave kusvika makumi maviri.





Mhinduro (0)