Mutungamiri wenyika vaEmmerson Dambudzo Mnangagwa vazivisa kuti rwendo rwuno vatora matanho akasimbarara kuyedza kuderedza kutapukira kwechirwere cheCovid 19 icho chopararira semoto wesango.
Mamwe ematanho ari kutanga kushanda musi wa22 Chikunguru anosanganisira kusatenderwa kufamba kweveruzhinji kubva panguva dza6pm kusvika na6am .
Vasingaendi kumabasa vanokurudzirwa kuramba vagere kudzimba dzavo ,kunze kwekuti vachinotsvaga zvokudya kana mishonga.
Panzvimbo dzinosangana voruzhinji munhu anotarisirwa kunge akapfeka Mask ,uyewo kuchengetedza utsanana pamwe nechinhambo yavanoti Social Distance pachirungu.
Vemabhizimusi vanotarisirwa kutanga mabasa na8am kusvikira na 3pm.
Voruzhinji havatenderwi kuungana.
Imhosva kutapurira vamwe chirwere nebwoni kana nekusatevedza matanho akaiswa nehurumende.





Mhinduro (0)