Pane mutinhimira wekuputika wavhundutsa vazhinji runyanhiriri musi wa 11 Gumiguru 2026 wakonzera kudengenyeka kwanzwika muRedcliff nemuguta reKwekwe.
Chiitiko ichi chaitika mangwanani nenguva dzekuma 0245hrs .
Kudengenyeka uku kwakonzera kutsemuka kwezvivakwa nekupwanyika kwema hwindo zvikuru dzimba dziri muRedcliff neRutendo.
Mashoko kubva Kanzuru ye Redcliff atsinhidzira kuti kwaputika mahora mukambani ye BIMCO uye zviri kufungidzira kuti pane mbavha dzanga dzichida kuba mahora aya.
‘’Minisiparati yeRedcliff inoda kuzivisa vagari nemasangano akatsaukana munharaunda kuti kwaita mutsindo une mutinhimira usiku hwemusi wa10 Gumiguru 2026 zvichitevera kuputika kwemahora ekambani yeBimco’’
Kanzuru iyi yakurudzira kuti vose vanemidziyo yaparadzwa nekuda kwechiitiko ichi vazivise mahofisi avo.
Kune mamwewo mashoko ari kubva kuvagari venzvimbo iyi ekuti pane vanhu vatatu vafa , muchengeti wepanzvimbo iyi anoshandira kambani yeSafeguard nevanofungidzirwa kuti dzaive mbavha.
Hatina kukwanisa kuwana mashoko kubva kumapurisa nezvechitiko ichi panguva yekunyora
Mutinhimira wekuputika wavhundutsa vazhinji runyanhiriri muRedcliff





Mhinduro (0)