Murume ayipomerwa mhosva yekuuraya ayimbove mudzimai wake Lisedi Nkomo (25) akawanikwa akafa kuChiredzi.
Mapurisa atsinhidzira kuwanikwa kwemutumbi waGodknows Muleya (30) pamba inosvikira vaenzi kuChiredzi musi wa 10 Gumiguru 2026.
Mumashoko emapurisa , Muleya akawanikwa ane vanga rebara repfuti pahuma uye vari kuongorora chiitiko ichi.
Muleya anga achitsvagwa nemapurisa mushure mekufungidzirwa kuti ndiye akapfura Lisedi Nkomo uyo aive mudzidzi wepa Midlands State University musi wa08 Gumiguru 2026 kuSenga muGweru.
Murume ayifungidzirwa kuuraya ayimbove mudzimai wake awanikwa akafa





Mhinduro (0)