Gava rakazodambura musungo apo mbavha ina dzainge dzashungurudza muguta reKwekwe dzakasungwa nemapurisa musi wa08 Gumiguru 2026.
Vanofungidzirwa kuve mbavha ava vakarondwa nematikitivha vakasungirwa pane imwe nzvimbo inosvikira vaenzi muguta reKwekwe .Vakasungungwa ava ndi Costa Ngwenya (48) of Cowdray Park, Bulawayo ,Sifiso Mapfumo (48) weku Cowdray Park, Bulawayo Njabulo Tshuma (51) weku Pumula East, Bulawayo Sikhangele Masuku (56) weku Lobengula, Bulawayo
Sekureva kwemutauriri wemapurisa emuMidlands, Inspector Emmanuel Mahoko, chikwata ichi chaitarisa zvikuru motokari dzakasiyiwa dzisina munhu panzvimbo dzinowanikwa vanhu vakawanda dzakaita sezvitoro zvikuru, mabhanga, nenzvimbo dzinosangana vanhu, izvi zvakaitika panguva iri pakati pemwedzi waChikumi naGumiguru 2026.
Vayiita zvekuvhura motokari idzi nechisimba kuti vabe zvinhu zvevanhu zvinodhura, zvinosanganisira:
Makombiyuta madiki (laptops) nenharembozha Midziyo yemagetsi Mabhegi nema-purse ane mari.
Zvimwe zvezvinhu zvakabiwa, kusanganisira makombiyuta madiki nenharembozha, zvakatowanikwa nemapurisa uye zvakaonekwa nevaridzi vazvo.
Vanhu vari kufungidzirwa mhosva idzi pari zvino vane chekuita nemhosva gumi nepfumbamwe dziri kuongororwa emapurisa, uye mapurisa ari kuongorora kana vaine chekuita nedzimwe nyaya dzekubiwa kwemotokari dzisati dzagadziriswa mudunhu iri.





Mhinduro (0)