Jekeso

Vashandi veHurumende vowaniswa bhonasi muzvikamu zviviri

Vashandi veHurumende vowaniswa bhonasi muzvikamu zviviri
Gurukota rezvemari Professor Mthuli Ncube

Hurumende yavimbisa kupa vashandi vayo bhonasi gore rino senzira yekuvatenda nekushanda nesimba.
Vachitaura pagungano rePrebudget Seminar rakaitirwa kuZimbabwe International Trade Fair muguta reBulawayo vaMthuli Ncube vakati semakore ose vashandi vehurumende vachawaniswa mugove webhonasi.
‘’Second republic hayisati yambokundikana kubhadhara mabhonasi kuvashandi vehurumende ,tichabhadhara bhonasi senzira yekuvatenda nekushanda nesimba,’’ vakadaro vaNcube.
Mumashoko akaburitswa neveNational Joint Negotiating Council (NJNC) nemusi wemuvhuro 02 Mbudzi 2026 ,bhonasi iyi ichabhadharwa muzvikamu zviviri.
Chikamu makumi mashanu chemari iyi inobhadharwa mumwedzi wa Mbudzi 2026 uye chimwe chikamu chobhadharwa muna Zvita 2026.

Mhinduro (0)

Dzimwe nhau