Chikwata cheZimbabwe chenhabvu chadambura makashu nekukunda kukuru nezvibodzwa 3–0 apo chatamba neEquatorial Guinea munhandare yeNational Sports Stadium nhasi 16 Mbudzi 2026, mumakwikwi eAfrica Cup of Nations ya2027 zvachiisa panzvimbo yakanaka muBoka E remitambo yekukodzera kupinda.
Mutambo uyu wanonoka kutanga zvakonzerwa nemvura zhinji yanga ine mabhanan’ana.Mutambo wazotanga nenguva dza 4pm .
Pane chirevo chinoti 'simbi inorohwa ichapisa' , mutambi wepamberi Thandolwenkosi Ngwenya ndiye achimbidza kuona gedhe mumaminitsi mana ekutanga, zvakonzera mufaro mukuru pakati pevatsigiri vechikwata chema Warriors.
Kunyange zvazvo Equatorial Guinea yange ichitaridzira zvidavado uye nekugara nebhora kwenguva yakawanda muchikamu chekutanga, dziviriro yeZimbabwe pamwe chete nemuchengeti wegedhi Nelson Chadya varwa vamire dzamaravapinda muzororo vachitungamira nezvibodzwa 1–0.
Mushure mezororo, maWarriors adzoka vave neukasha. Tawanda Chirewa na Tawanda Maswanhise vazomwisa umwe neumwe chake izvo zvakasimbisa kukunda kukuru kweZimbabwe.





Mhinduro (0)