Munyori : Tonderai Marindire
Chikwata chenhabvu cheZimbabwe U23 Young Warriors, chakundikana mumakwikwi ekukodzera kupinda mumutambo weAfrica Cup of Nations (AFCON) we2027 neChipiri manheru, mushure mekukundwa nezvibodzwa 5–0 nechikwata cheMali mumutambo wechipiri wedanho rechipiri remakwikwi aya.
Izvi zvireva kuti Zimbabwe yakakundwa nezvibodzwa 8–0 zvose zvakabatanidzwa, izvo zvakagumisa zviri pamutemo rwendo rwayo rwekutsvaga kupinda mumakwikwi ekupedzisira achaitirwa kuEgypt gore rinouya, pamwe chete nekuparadza tariro yayo yekukodzera kupinda mumitambo yeOlympic ye2028 ichaitirwa kuLos Angeles.
Vatsigiri venhabvu munyika havasi kufara nematambiro ari kuita chikwata ichi.





Mhinduro (0)