Jekeso

Mapurisa akasunga murume ari kufungirwa kuuraya mubereki nemwanasikana wake

Mapurisa akasunga murume ari kufungirwa kuuraya mubereki nemwanasikana wake

Munyori : Tonderai Marindire

Mapurisa eZimbabwe Republic Police(ZRP) akatsinhidzira nezve kusungwa kwaBlessed Gatsi (35) maererano nemhosva mbiri dzekuuraya, apo anofungidzirwa kuti akauraya amai vake, Rudo Ukama (74), pamwe chete nemwanasikana wake ane makore matatu, Lyn Gatsi (3).
Izvi zvikaitika mushure mokukakavadzana kwakakonzerwa nekupomerana uroyi.
Chiitiko ichi chakaitika musi wa18 Gunyana 2026 mumusha wePfende, kuMahusekwa.
Mushure mechiitiko ichi, Blessed Gatsi akatizira kuBuhera.
Mapurisa akazomuronda ndokumusunga mumusha weMakwenzi, uri pasi paShe Nyashanu, musi wa14 Mbudzi 2026.

Mhinduro (0)

Dzimwe nhau