Sangano ravana mukototi reZimbabwe Nurses Association of Zimbabwe (ZINA)razivisa kuti mhengo dzaro dziri kuenderera mberi nokutsutsumwa nokusaenda kumabasa.
.Mutsamba yanyorwa nesangano iri vana mukoti vanoti nhasi 3 Nyamavhuvhu rave zuva rechi makumi mana netanhatu kubvira varamwa mabasa ,asi zvikumbiro zvavo hapana chimwe chete chati changadziriswa.
Vanamukoti vari kunyunyuta kuti mari yavanotambira hayisi kukwanira ,izvo zvinoita kuti vakundikane kuita basa ravo.
Vanoti zvakare havasi kuwaniswa zvokuzvidzivirira zvakakwana (PPE),nokudaro havasi kuzodzokera kubasa sezvo nzvimbo dzezvipatara dzave idzo dzine kutapurirana chirwere cheCovid-19 zvakanyanyisa.
Vamwe vana mukoti nevashandi vemuzvipatara vakabatwa nechirwere che Covid-19 nokuda kwekushaya zvekuzvidzivirira zvakakwana.
Sangano iri rinotizve nyaya yavo haineyi nezvematongerwo enyika ,asi kuti inyaya dzinechokuita nekodzero dzemusandi.
Chirwere cheCovid 19 charura munyika sezvo huwandu hwevanhu vari kubatwa nechirweere ichi huchiramba huchikwirira zuva roga roga.
Huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere ichi have kuzviuru zvina ,uye vanhu vanosvika makumi masere (80) vakatoshaya.





Mhinduro (0)