Jekeso

Mutungamiri wenyika vanodoma VaConstantino Chiwenga kuve gurukota reZveutano

Mutungamiri wenyika vanodoma VaConstantino  Chiwenga kuve gurukota reZveutano
VaConstantino Chiwenga vanodomwa kuvegurukota rezveutano

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vadoma mumwe wevatevedzeri vavo, VaConstantino Guvheya Chiwenga, segurukota rezvehutano.

p>Mashoko aburitswa nemunyori mukuru muhofisi yemutungamiri wenyika pamwe nedare remakurukota, VaMisheck Sibanda, anoti VaMnangagwa vatora danho iri nekuti vaona zvakakosha kuti zvinhu zvigadzikane munyaya dzezvehutano munyika, uyewo mubazi rezvehutano, iro ranga risina gurukota kwenguva kubva pakamiswa basa vaimbove gurukota rezvehutano, Dr. Obadiah Moyo.

VaSibanda vatiwo VaMnangagwa vanoona kugadzwa kwaVaChiwenga kuchabatsira mukuona kuti nyika yakwanisa kurwisana nechirwere cheCovid-19.

Mhinduro (0)

Dzimwe nhau