Jekeso

VaMabeza vanovigwa usiku

VaMabeza vanovigwa usiku
Rufu rwekutanga muguta reRedcliff

Mumwe wevakuru mukambani yeZisco steel vaMnashe Mabeza avo vakashaya vakavigwa usiku paine vashoma veukama nevakuru vakuru.

VaMabeza avo vakashaya musi wemugovera 08 Nyamavhuvhu 2020 vari kufungidzirwa kuti vangangodaro vakaurawa nechirwere cheCovid-19. Mabeza vanga vari Finance Executive muZISCO, uye vari mugari wemuRedcliff.

VaVitalis Kwashira vanove ivo mutauriri weCovid Taskforce mudunhu reKwekwe vakati ivo hazvisati zvanyatsojeka ,sezvo maresults avo ekuvhenekwa Covid-19 anga asati abuda.

‘’Kana maresults ekuvhenekwa Covid-19 asati abuda hatingati rufu rwepa 2 Ophias Road rwakonzerwa nechirwere ichi ’’vakadaro vaKwashira.

VaMabeza vanga vasina nhoroondo yekushanya kunze ,izvi zvinofungidzirwa kuti kana vanga vaine chirwere ichi vanogona kunge vakachibatira munharaunda (local transmission).

VaMabeza vakavigwa musi weSvondo kumarinda ekuMsasa Park muKwekwe husiku nevehukama vashoma nevakuru vakuru vaida kuti kuradzikwa kwavo kuitwe nemutowo wakadziviririka.

Urwu rungangova rufu rwekutanga rwakonzereswa neCovid-19 muguta iri kubva zvatanga chirwere ichi.

Zvichakadaro vagari vemuRedcliff vanokurudzirwa kuti vazivise vatungamiriri vavo kana pane vanorwara kana kuti paine vamwe vangangodaro vakabva kune dzimwe nzvimbo kunze kwenyika.

Huwandu wevati kufa nechirwere cheCovid-19 munyika huri kuramba huchikwirira sezvo hwave kudarika zana.

Mhinduro (0)

Dzimwe nhau