Mutungamiri wenyika vaEmmerson Dambudzo Mnangagwa nhasi vamisa basa gurukota remhando dzemoto vaFortune Chasi.
Mumashoko aturwa mutsamba yaChief secretary to the President and Cabinet vaMisheck Sibanda vazivisa kuti vaChasi vamiswa basa nechikonzero chokutadza kuzadzikisa tarisiro yomutungamiri wenyika mukufambiswa kwebasa rehurumende.
VaSoda Zhemu ndivo vadomwa kuve gurukota idzva reEnergy and Power development.
VaZhemu mumiriri weMuzarabani North mudare reParamende.
Vanhu vazhinji vashamisa nedanho iri ,sezvo vaChasi vanga vachionekwa serimwe remakurukota vanoshanda nesimba.Kubva vaChasi pavakagadzwa segurukota munyika kudzima kwemagetsi kwakaita kushoma.
‘’Anga ari munhu akanaka ,kunze kwekuti kana pane chatisingazivi’’akadaro Dani Chimunhu paTwitter.
Mutungamiri wenyika vabva vadomawo vaDr Anxious Jongwe Masuka as the Minister of Lands, Agriculture, Water and Rural Resettlement,kutsiva chinzvimbo cha Air Chief Marshal Rtd Perrence Shiri avo vakashaya kupera kwemwedzi waChikunguru 2020.





Mhinduro (0)