Jekeso

Mwaka wemvura wa20/21 uri kutarisirwa kunge wakanaka.

Mwaka wemvura  wa20/21 uri kutarisirwa kunge wakanaka.
kurima nemombe kumusha

Mwaka wemvura wa20/21 uri kutarisirwa kunge wakanaka zvikuru sezvo kuchitarisirwa kunaya mvura yakawanda.

Gurukota reEnvironmental, Climate, Tourism and Hospitality Industry vaMangaliso Ndlovu vazivisa kudaro apo vatura mashoko ezviri kufungidzirwa nezvemwaka wemvura wa20/21 munyika.

Region 1 iyo inosanganisira Mashonaland East, Mashonaland Central, Kumusoro kwakadziva kumabudazuva kweMidlands nedzimwe nzvimbo dzekuManicaland dzichawana mvura yakaringana kana kudarikidza kubva muna Gumiguru 2020 kusvika muna Kukadzi 2021.

Region 2 iyo inosanganisira nzvimbo mazhinji dzeMatabeleland North, dzimwe nzvimbo dziri muMidlands, nezvimwe zvikamu zveMashonaland West , dzichawana mvura yakaringana kana yakadzikira kubva muna Gumiguru naZvita 2020 kuchizowanikwawo zve mvura yakaringana kana kudarikidza kubva muna Ndira naKukadzi 2020.

Region 3 iyo inosanganisira Masvingo, nzvimbo zhinji dzeMidlands, nzvimbo dziri kumapeto nechezasi kweManicaland nenzvimbo huru kuMatabeleland South , dzichawana mvura yakaringana kana kudarikidza kubva muna Ndira naKukadzi 2020.

Nyika dziri mudunhu reSouthern Africa hadzina kuwana mvura yakanaka mwaka yadarika izvo zvakakonzeresa kuti nyika idzi dzitenge chibage kubva kune mamwe matunhu.

Izvi zvakakonzeresa kukwira kwemitengo yezvokudya ,zvakaita kuti vamwe vanhu vaziye nenzara.Masangano akazvimirira vakatakura mutoro mukuru wokutsvagira voruzhinji zvokudya vachibatsirana nehurumende iyo iri kutatarika nekuda kwematambudziko mazhinji anosanganisira chirwere cheCovid-19.

Mhinduro (0)

Dzimwe nhau