Jekeso

Hurumende yatambanudza nguva yokushanda kwemabhizimusi

Hurumende yatambanudza nguva yokushanda kwemabhizimusi
Gurukota rezvekufambiswa kwemashoko Monica Mutsvangwa

Hurumende nhasi yazivisa kuwedzerwa kwenguva yekushanda kwezvitoro mabhizimusi nemamwewo mabasa.

Gurukota rezveKufambiswa kwemashoko muzvare Monica Mutsvangwa vatura mashoko ekuti nguva dzokushanda dzatambanudzwa kutanga nenguva dza 0630 mangwanani kusvikira nenguva dza1830 manheru asi nhanho dzokudzivirira chirwere cheCovid-19 dzinofanira kuramba dzichicherechedzwa.

Iri idanho ratorwa senzira yokuzarura mabasa anosimudzira zvoupfumi hwenyika.

Panguva imwe chetewo nzvimbo dzinotengeserwa hwahwa dzakaita sepaAirport maHotel ,maHouseboat, maRestaurant nemaMembers Clubs dzichange dzakavhurwa kubva nenguva dza 0800 mangwanini kusviira nenguva dza1630 zuva rovira.

Danho iri riri kutarisirwa kubatsira vashandi vazhinji avo vange votyira kurasikirwa nemabasa zvikuru muchikamu chezvokutengeswa kwehwahwa.

Chirwere cheCovid-19 chaita kuti vashandi vazhinji pasi rose varasikirwe nemabasa sezvo mabhizimusi mazhinji akavharwa senzira yokudzivirira kutapukira kwechirwere ichi.

Kusvikira pari zvino chirwere ichi chauraya vanhu vanosvika mazana maviri nemakumi vaviri nevana munyika.

Mhinduro (0)

Dzimwe nhau