Jekeso

Madhuku otsvaga rutsigiro muguta reKwekwe

Madhuku otsvaga rutsigiro muguta reKwekwe
Lovemore Madhuku ari muKwekwe paPrince Park

Mutungamiri ari zvakare muvambi webato re National Constitutional Assembly(NCA)vaLovemore Madhuku vakashanyira guta rekwekwe nedonzvo rokutsvaga rutsigiro rwebato ravo.

Vachitaura pamusangano wakaitwa musi wa 17 Gumiguru ,uyo waive nevanhu vanosvika zana ,vaMadhuku vakati yave nguva yekupawo bato ravo mukana wokutungamira sezvo mamwe mapato akundikana kuzadzikisa zvido netarisiro yevoruzhinji.

‘’Ndauya kuzokutaurirayi kuti kune sangano rematongerwo enyika rinonzi NCA ,sangano iroro harisi Zanu PF uye harisi MDC,asi isangano rakazvimiririra , sangano iroro rinoda kucompetor nemamwe kana yave nguva yemavotes’’ vakadaro vaMadhuku

VaMadhuku vakasanganawo nemibvunzo yaisanganisira kuti seyi ivo vaitaridzira kunge vane hukama hwehochekoche nebato reZanu PF, asi ivo vakati vanhu vanofanira kusandura muono yavo sezvo Madhuku nebato reNCA chisiri chinhu chimwe chete.

‘’ini saLovemore Madhuku ndinogona kuve ndiine pfungwa yangu semunhu ,asi inenge isiri necessarily pfungwa yemusangano weNCA .Saka pose pamunonzwa ndechitaura munofanira kunyatsoteerera kuti apa ndiri kutaura ndiri President weNCA here kana kuti as an Individual’’

‘’Basa rangu ini ndiri gweta ,I am a Lawyer ,saka mukandiona ndichiuya kuzomirira vamwe paKwekwe Magistrate Court ,ndinouya as an a individual ,hamungati NCA ndiyo yauya kuzomiririra.’’ Vakadaro vaMadhuku.

Musangano weNCA uyo uri mugungano rine mukurumbira rinonzi Political Actors Dialogue (POLAD) ,wakakwikwidza musarudzo dzapfuura uye pane hurongwa hwekusimbisa nekumisa matanho ehutungamiri munzvimbo dzakasiyana munyika.

Mhinduro (0)

Dzimwe nhau