Jekeso

Voruzhinji voyambirwa nezve Dutumupengo Chalene

Voruzhinji voyambirwa nezve Dutumupengo Chalene
cyclone Chalene

Voruzhinji vari kuyambirwa kuti vangwarire mafashamu acha konzerwa nedutumupengo Chalene.

VeCivil Protection Unit (CPU) vari kutumira mashoko kuyambira voruzhinji kuti kuri kutarisirwa mafashamu munyika yose kubva musi wa 31Zvita kusvika 03Ndira 2021 uye kuti vanhu vaende panzvimbo dzakakwirira.

Mvura iyi iri kurarisirwa kunge ine mhepo ,nokudaro matenga edzimba anogona kufurunyurwa.

Nzvimbo dziri kunyanya kutarisirwa kuwirwa nedambudziko iri muZimbabwe dziri kumatunhu eManicaland ,Masvingo nedzimwe nzvimbo dzeMidlands neMatebeleland dzino sanganisira Chimanimani , Mutare ,Chipinge,Buhera ,Bikita ,Gutu.

Mhinduro (0)

Dzimwe nhau