Jekeso

Hurumende yoshayiswa hope nechirwere cheCovid-19

Hurumende yoshayiswa hope nechirwere cheCovid-19
Huwandu hwevari kubatwa neCovid-19 huri kukwirira.

Hurumende iri kushushikana nekukwirira kuri kuita vanhu vari kubatwa neCovid-19. Voruzhinji vari kukurudzirwa kuti vacherechedze nzira dzokuzvidzivirira nadzo.

Mwedzi waZvita 2020 zvakataridza kuti chirwere ichi chakange chotangisa kukwira zvakare.

Muzvare Thokozani Khupe musi wa 30 Zvita 2020 vakazivisawo padandemutande reTwitter kuti navo vakabatwa chirwere ichi.

Kuvhurwa kwezvikoro kwakambosendekwa parutivi kunze kweavo vari kutanga kunyora bvunzo musi wa 05 Ndira 2020.

Musi wa01 Ndira 2020 bazi rezveutano rakazivisa kuti vanhu vanosvika mazana maviri negumi nevanomwe (217) vainge vabatwa nechirwere ichi ,uye vanhu vatanhatu vainge vafa.

Vamwe vari kukurudzira hurumende kuti itore nhanho dzakasimbarara kuedza kudzivirira chirwere ichi ,dzinosangamisira kuve neimwe lockdown ,asi kune vari kutiwo vanhu ngavazvizivire voga kuti chirwere ichi chiripo uye mapurisa nemauto ngavasunge vanhu vanotyora mitemo ine chokuita nekudzivirira chirwere cheCovid-19

Nyika ye South Africa yakatora matanho akaomarara anosanganisira kurambidza kutengeswa kwedoro senzira yokurwisana nechirwere ichi

.

Mhinduro (0)

Dzimwe nhau