Muguta rekwekwe nhasi mange mune vanhu vashoma uye Mapurisa neMauto vange vachionekwa vachifamba famba mumigwagwa yose .
Izvi zvinotevera danho rakatorwa nehurumende rokukurudzira voruzhinji kuti vagare kudzimba dzavo nekuda kwekukwirira kwehuwandu hweavo vaibatwa neCovid-19 munyika.
Zvitoro zvikuru zvinotengesa zvokudya zvange zvakavhura uyewo mitsara mipfupi yamga ichionekwa pamabhangi ,paZESA nepaMukuru.
Zvitoro zvinotengesa mishonga zvakavhurwa pamwe nemagaraji anotengesa mafuta edzimotokari.
Vanhu vari kufamba muguta vakasununguka sezvo pasina kudzingirirana nemapurisa sezvakange zviripo paLockdown yokutanga.
Pamusika wemabhazi pange pane mapurisa nemauto uyewo vazhinji vange vachibvunzwa tsamba dzinovatendera kuti vafambe.Mitsara yekukwira mabhazi yange iri mipfupi panguva dzemangwanani.
Voruzhinji vosarudza kuitira mabasa avo kumisha inogara voruzhinji sezvo muguta musisina chouviri.





Mhinduro (0)