Jekeso

Bantuman i oburira mutakunanzwa padandemutande

Bantuman i oburira mutakunanzwa padandemutande
Bantuman i & Madzimbabge Legacy

Muimbi ane mukurumbira uye achiyimba musambo weReggae Tawanda Jumo akabura dambarefu rinonzi Takecharge Vol 2 , iro rine nziyo dzinonakidza samare.

Jumo uyo anozivakanwa nezita remadunhurirwa rokuti Bantuman I nechikwata Madzimbabge Legacy abura dambarefu rine nziyo nhanhatu idzo dzinoti Makagarika,Ndiwe ndiwe,Sindiso,Mudiwa dzoka,Zeve zeve na Chishuwo.Nziyo idzi dzavepo padandemutande reYoutube uye vazhinji vari kutaridzira kufarira mutakunanzwa uyu.

Muhurukuro yakaitwa nepepanhau rino naBantuman I ,muyimbi uyu akati dambarefu iri Takecharge Vol 2 rine nziyo dzinotaura maererano nemagariro edu uye zvinoitika muhupenyu .

‘’ munhu anofanira kudzidza kuzvimirira muhupenyu hwake kwete kuitiswa nevamwe’’ akadaro Bantuman i.

Zeve zeve ndeimwe yenziyo iri kuteverwa nevazhinji padandemutande. Ino tsoropodza tsika yokuita kazeve zeve sezvo zvisingaunzi pundutso nebudiriro muhupenyu hwevanhu.Mamiriro ezvinhu anofanirwa kutaurwa pachena pasina kutya kana kutyisidzirana.

Makagarika rwiyo runotaura nezve vamwe vanhu vanorarama nenzira dzehukopokopo.Vanodya zveupfupi nehurefu.

‘’mari yako yaunayo iyo , wavakachemedza nemazita tinovaziva …. chisimba chako chaunacho icho , pawakatsika chaipo tinopaziva ‘’ndemamwe mashoko ari murwiyo urwu.

Aka ndiko karwiyo pakati pedzimwe kachameresa muyimbi uyu mapapiro.

Madzimbabge Legacy ndechimwe chezvikwata chinoremekedzwa zvikuru muguta reKwekwe uyewo chinobatsira nekusimudzira vayimbi vari kusimukira

.

Mhinduro (0)

Dzimwe nhau