Morocco yakazviyita zvakare nokukunda pamakwikwi eAfrica Nations Championship ( Chan) mushure mekurakasha Mali pamutambo wekupedzisira kuCameroon musi wesvondo manheru.
Mutambi Soffiane Bouftini akamwisa chibodzwa chekutanga nemusoro pama minutes makumi matanhatu nemapfumbamwe emutambo.
Mushure memaminutes gumi mumwe mutambi Ayoub El Kaabi akamwisa zvakare nemusoro chibodzwa chepiri icho chakave chokuvharisa makwikwi aya.
Chikwata che morocco chakave chokutanga kuhwinha mumakwikwi aya makore akatevedzana ,zvimwe chetewo nechikwata che Democratic Republic of Congo chakambohwinha makwikwi aya kaviri kose.
Chikwata cheMorocco chakatanga mitambo yacho yokutanga chisinga nyatsotaridzira kuti chaizokunda mumakwikwi aya ,asi pamitambo yokupedzisira zvikuru apo payaka rakasha chikwata cheCamerron nezvibodzwa 4-0 ndipo pachakataridzira kuti mumakwikwi ekupedzisira akange asiri ekutamba nawo.
Mumakwikwi eCHAN aya mutambi Soufiane Rahimi akamwisa zvibodzwa zvishanu.kudarika vamwe vose.
Chikwata cheZimbabwe chakabuda mumakwikwi aya mambakwedza,zvinoreva kuri pachine zvizhinji zvinodiwa kuti zviitwe kuvandudza mutambo wenhabvu munyika





Mhinduro (0)