Mapurisa akundikana kudzivisa zviuru zvavanhu vauya kuzooneka negamba Saul Musaka ayi zivikanwa nezita remadunhurirwa rokuti ’Souljahlove’,uyo aradzikwa panzvimbo inoradzikwa magamba edunhu kuWarren Hills muHarare nhasi.
Vanhu vange vari mavhu nemarara,kunyange hazvo paine mutemo unosungira kuti pave nevanhu makumi matatu chete parufu senzira yokudzivirira kutapukira kweCovid-19.
‘SoulJahLove’ uyo ayiimba musambo we Zimdancehall akashaika musi wa 16 Kukadzi 2021 ave nemakore makumi matatu nerimwe (31).Akashaikira muchipatara chemuHarare
Musaka akapiwa ruremekedzo rwegamba redunhu nemutungamiri wenyika vaEmmerson Dambudzo Mnangagwa ,izvo zvakabva zvamuita gamba rokutanga rechidiki kuradzikwa pamarinda aya.
Akatsanangurwa nevazhinji somuimbi akange ane chipo chokuimba ,uye akasimukira munezve mimhanzi mushure mekutsungirira kukuru.
‘’Tarasikirwa negamba , handifungi pakauya mumwe akaita saSauro ‘‘ akadaro Maligakini Saizi ‘Kinnah ‘ mumwe wevaimbi ayishanda naSoul Jah Love kubva mukukura kwavo.
Dzimwe dzenziyo dzake dzakaita mukurumbira dzinosanganisira Pamonya Ipapo ,Go back to sender ,Upenyu Ivhiri, Dzimba Idzo Pazai, Ndongosimudza Musoro, Shumba, Takafitana (featured on Nox Guni), Zvandinomudira, Maone atanga (featuring Kina), Ndini Uya Uya, Hatichabatika (featured on Shinsoman), No More Love, Duty Bo, Kakanakirwa, Mbare Mbare, Ndamuona, No more Love, Nhau, Ghetto





Mhinduro (0)