Sangano reMethodist mukwekwe roratidzira nezve nyaya yezvinodhaka.


23 Aug 24

Click here to watch video

Boka revechidiki musangano reMethodist church in Zimbabwe reKwekwe East Cicuit vakafora vachiratidzira neyambira vechidiki kuti vasapinde munyaya yekutora zvinodhaka.

Dingindira rehurongwa uhu rainzi A drug free life is a happy life.

Vechidiki vanodarika zana vakafora kubva panzvimbo yemabhizimusi eMbizo section 4 vakananga muguta .

Vapfuura nepachikoro che Chiedza Primary apo vakasvikodyara miti zana yavakapiwa nekambani yeNyaradzo Funeral services.Muchiitiko ichi kambani iyi yakavimbisa kuti vachagashidza kerereke iyi mimwe miti yemichero inosvika makumi mashanu yavachazodyara pamakereke avo.

Nyaya yezvinodhaka ndiyo iri kutsviriridza mazuva ano ,apo vazhinji vachidiki vari kuwanikwa vachitora zvinodhaka zviri kukonzera kuti vamwe vavo vakanganisike mune zveutano ,uyewo vamwe vavepedzisira vopara mhosva munharaunda dzavagere.

Kambani yeNyaradzo Funeral services ndiyo yaive mutsigiri mukuru pahurongwa uhu ichibatsira nemamwe mapoka ari muguta rekwekwe.