Chimiro chemigwagwa chashata


19 Jan 25

Click here to watch video

Chimiro chemigwagwa mizhinji muguta reKwekwe hayichafambika zvakanaka nekuda kwekuchereka kuri kukonzerwa nemvura iri kunaya.

Migwagwa iri kunyanya kukanganisika ndeiya inoshandiswa zvikuru nedzimotokari kubva nekupinda muguta.

Nzvimbo dzinojenga mvura ndidzo dziri kunyanyofa.

Pamugwagwa unotambanuka kubva muguta kuenda kuMbizo weIndustrial road wave nenzvimbo dzave nemakomba pedyo neworks yard ,paZimasco fly over ,pajunction yemanunure ne junction naMaunganidze road pedyo negaraji reRockodox hapachafambike zvakanaka.

Mugwagwa unobuda muguta weMvuma road une makomba akashata pedyo nenzvimbo yemachurch kana kuti paLibrary ,pa Police turnoff nzvimbo idzodzo hadzina kumira zvakanaka.

Vagari vekuMsasa park navo voti havachina migwagwa zvachose nokuti mizhinji yacho angove nemakomba makomba.

Kanzuru yokurudzirwa kuti isimbaradze mabasa ayo kutarisira migwagwa iyi.