02 Nov 24
Munyori: Tonderai Mari
Chirongwa che City Parking icho chakatambanudzwa muguta rekwekwe mwedzi wapera ,chogashirwa vatyairi vaine zvinyunyuto maererano nemafambisirwo acho.
Vatyairi voti pachine zvizhinji zvavasati vonzwisisa maererano nemafambisirwo echirongwa ichi ,izvo zvoita kuti vaone sokunge vari kumbunyikidzwa.
Musvondo radarika muguta makaonekwa mave nerimwe boka revaifamba vachisunga motokari idzo dzainzi dzine zvikwereti zveCity Parking.
Pepanhau rino rakakwanisa kutaura nevamwe vanhu vainge vasungirwa motokari dzavo.
‘‘ini ndawana motokari yangu yakaClembewa,ndikashaya kuti zvabva nekupi’’
‘‘zvanditorera nguva kuti ndizive kuti chii chiri kuitika ,apo mushandi weCity Parking akazonditaurira kuti ndine chikwereti che $2 Usd’’
‘‘ivo vari kuti kana uchinge wakochekererwa motokari yako nesimbi dzavo unobhadhariswa faindi ye$20usd’’
‘‘Chinyunyuto changu ndechokuti ini handina kumboona tikiti pamotokari yangu raitaridza kuti ndine chikwereti neCity Parking’’akadaro mutyairi asina kuda nezita rake.
Asi mumwe mushandi weCity Parking asina kuda kuzivikanwa akati iye vamwe vatyairi vari kuvapopotera nekuvatyisidzira pabasa ravo. ‘‘Vamwe vari kuzviti vakuru vehurumende ,vamwe vachishandisa zvigaro zvavo zvematongerwo enyika’’
‘‘chokwadi ndechokuti isu tikawana motokari musina munhu ,tinosiya ticket jena pama wipers emotokari zvekuti mutyairi anogona kutoona chikwereti chake.
Zvichakadaro mumwe mugari vaSamson Tafadzwa Gambiza vakaendesa kanzuru yeKwekwe kumatare vachinyunyuta kuti chirongwa ichi hachina kufambiswa zviri pamutemo uyewo mugari uyu anoti hachina Minister’s approval yema by-laws nemari dzinozo bhadhariswa dzacho.
Vazhinji vanoshandira muguta reKwekwe votiwo havakwanisi kuwana $8 pazuva yokuti motokari dzavo dziwane pekumira ,nokudaro kanzuru inofanira kusiya imwe nzvimbo isingabhadhariswe.
Nevemabhizimusi vanotiwo vakaomerwa chose.