Dhamu Tugwi-Mukosi rave pedyo kufashukira


31 Dec 25

Click here to watch video

Dhamu guru reTugwi-Mukosi iro rinowanikwa necheku chamhembe kwedhorobha reMasvingo riri kutarisirwa kuti ringangogone kushafukira nekuda kwemvura ichiri kupinda mariri

VeZimbabwe National Water Authority varikutura mashoko eyambiro kuvagari vari nechezasi kwedhamu iri ,iro rave pedyo kuzara ,kuti mvura zhinji inozogona kufashukira zvinogona kukonzera matambudziko ekuparadzwa kwemidziyo kana kurasikirwa neupenyu kwevanhu kana zvipfuyo.

Veruzhinji vari kukurudzirwa kuti vagare vakangwarira zvakare kuti varegedze kuyambuka nzizi nezvikova panguva iyi.

Izvi zviri kukonzerwa nemvura zhinji yakanaya


fsrnjdfrkf

31 Dec 2025 01:01 PM

Enter comment