16 Aug 25
Kanzuru yeKwekwe yakazivisa kuti hayisi kuzodzinga vanotengesa vari panzvimbo dzakatarwa dziri muguta iri kusvikira pawanikwa nzvimbo yakakodzera yekuitira mabasa aya.
Izvi zvinotevera mashoko akaziviswa kuvatori venhau naMayor veguta iri vaAlbert Zinhanga munguva pfupi yadarika avo vakaramba kuti guta iri rine hurongwa hwekuzodzinga maVendors musi wa 15 Gunyana 2025.
‘’Vese mavendors vari kushandira panzvimbo dzekanzuru vanofanira kuenderera mberi vachishanda nekuti tine chibvumirano nevanotengesa kuti vanofanira kuramba vachishandira panzvimbo dzavo kusvikira tavapa nzvimbo itsva yekushandira.’’
‘’Pari zvino hatina imwe nzvimbo itsva yatawana ,nokudaro tiri kuti ngavaenderere mberi vachishanda pavari ipapo vachibhadhara mari yavo kukanzuru,kana vachibhadhara mari dzavo vanofanira kuwaniswa receipt sezvavanosiita.’’
‘’ Ukaona ukabhadhara usina kupiwa receipt ,ziva kuti hauna kubhadhara ku council ,the only proof of payment is the receipt ‘’ vakadaro vaZinhanga
Vakarambawo mashoko ekuti pane imwe nzvimbo mudhorobha kuchaendeswa vanozvitengesera .