18 Aug 26
ZAMBIA : Hakainde Hichilema (64) akasarudzwa rwepiri kuti ave mutungamiri wenyika yeZambia kwemamwe makore mashanu musarudzo dzakaitwa musi wa 13 Nyamavhuvhu 2026.
Akakunda nezvikamu makumi matanhatu nechidimbu (60.49%)achitungamira bato reUnited Party for National Development (UPND).
Ayimutevedzerwa naBrian Mundubile (55)National Reconciliation Party for Unity and Prosperity (NRPUP) we akawana chikamu makumi matatu nezvidimbu zvisere kubva muzana (38%).
Mushure mezuva resarudzo kuverengwa kwezvakabuda musarudzo kwakambomiswa nekuda kwemhirizhonga yainzi yakamboitika kune dzimwe nzvimbo munyika iyi ,asi kuverengwa kwakazoenderera mberi zvakare musi mumwe chetewo.
Vayiongorora nezvekufambiswa kwesarudzo idzi vanoti zuva resarudzo raive nerunyararo zvakare vakakurudzira kuti mapoka ose ayikwikwidza vacherechedze nekuremekedza zvaizobuda musarudzo idzi.
Posted on:09 Jul 2026
Posted on:16 Apr 2026
Posted on:07 Aug 2025
Posted on:11 Feb 2025
Posted on:22 Nov 2024
Posted on:02 Jul 2024
Posted on:06 Feb 2024
Posted on:21 Nov 2023
Posted on:16 Nov 2023
Posted on:05 Jun 2023
Posted on:14 Dec 2022
Posted on:01 Nov 2022