Highlanders FC yave nemurairidzi mutsva


07 Jan 26

Click here to watch video

Chikwata chenhabvu che Highlanders FC chakazivisa kuti chave nemurairidzi mutsva Thabo Senong .

Senong Chizvarwa chekunyika yeSouth Africa uye ari kutarisirwa kusimudzira matambiro echikwata ichi mumwaka wa2026.

Senong ane hunyanzvi hwekutungamirirra zvikwata zvakatsaukana uye akambokunda pamakwikwi e under 20 COSAFA mugore ra2013 achitungamira chikwata chekuSouth Africa.

Anga ari mutevedzeri wemurairidzi wechikwata cheFountain Gate FC chekuTanzania asati apiwa basa nechikwata cheHighlanders FC.

Senong akati iye anofara kuve mumhuri yechikwata cheHighlanders zvakare anotarisira kuchengetedza chimiro chechikwata ichi chine nhoroondo inoremekedzwa.