Hurumende inoti yakagadzirira kuoma kwekunze kunokonzereswa neEl Nino


23 Jul 26

Click here to watch video

Hurumende inoti yakagadzirira kusanduka kwekunze uko kuri kutarisirwa kunokonzerwa ne Super El nino pamwaka wekunaya kwemvura wa2026 -27.

Kusanduka kwekunze uku zvikuru kudiviri rekuchamhembe kweAfrica kunozivikanwa zvikuru kunokonzera kuoma kwemamiriro ekunze nekuvhiringidza kunaya kwemvura kwakanaka.

Vachitaura padare remakurukota rekaitwa musi wa 21 Chikunguru 2026 Gurukota rezve kurima va Anxious Masuka vakazivisa kuti hurumende iri kuona kuti pave nechibage chakaringana mumatura enyika uyewo pane hurongwa hwekudiridzira mahekita anosvika makumi manomwe nemashanu mumwaka wa 2026 -2027.

Varimi vadiki kumaruwa vakakurudzirwa kuti vachengetedze chibage chavanacho mudzimba.

vaMasuka vakakurudzirawo kuti varimi vari mumatunhu e region 3-5 varime mbeu dzechinyakare dzinosanganisira zviyo nemapfunde izvo zvinogona murarama kana mvura ichinge iri shoma.

Kusanduka kwekunze pasi rose kukonzeresa kushomeka kwekudya uye vanhu vazhinji vanogona kuziya nenzara kana pakasatorwa matanho akaringana ekuvandudza nzira dzokurima nekuchengetedzwa kwezvekudya.