14 Dec 25
Gore rino mhemberero ye World AIDS Day mudunhu reMidlands yakaitwa musi wa11 Mbudzi 2025 kuGokwe South panzvimbo yeGwenika pachikoro cheGwenungu Puraimari.
Mhemberero iyi , iyo yaive pasi pedingindira rinonzi ‘’Overcoming disruption, transforming the AIDS response’’ yakakwezva zviuru zvavanhu kubva mudunhu iri.
VaEdgar Seenza ndivo vakaverenga mashoko egurukota rinomiririra mutungamiri wenyika nekugoverwa kwehupfumi mudunhu reMidlands vaOwen Ncube avo vainge vasipo vakashanya kunze kwenyika.
‘’Tinofanira kukunda zvingatikanganisa kuti tivandudze kurwisa kwedu kwedambudziko remukondombera nokudaro hakuna vanofanira kubatwa hutachiwana ,hakuna vachafanira kufa nekuda kwekuti varwara nekuda kwehutachiwana ,hakuna achafanira kusarudzwa nekuti ane hutachiwana.’’
‘’Ndinoda kuzivisa kuti dunhu reMidlands rine mishonga yakakwanira yekubatsira vane hutachiona hweHIV ‘’ vakadaro vaSeenza.
Zvisineyi nematambudziko ari kusanganikwa nawo anosanganisira chirwere cheCovid-19 panguva yadarika , kusanduka kwezveupfumi nemamiriro ekunze pasi rose ,kumiswa kwerubatsiro rweUSAID fund ,zvakaitawo kuti hurumende isimbaradze zvirongwa nematanho ekurwisana nedenda reHIV/AIDS.
‘’Hatigoni kuramba tichitarisira rubatsiro runobva kunze nokuti pavanodira vanogona kuti hatichakupi , todii ?.'
' kuratidza kuti tinozvitonga tinofanira kuita hurongwa hwedu hwekuti isu tizviraramise , ndizvo zviri kutaura mutungamiri wenyika vaMnangagwa toda kuvatenda nemuono iwoyo. ‘’
Sabhuku Vharazipi ndeumwe vevanoita zvemitambo akange aripo pamhemberero iyi mukudzidzisa nekuvaraidza veruzhinji.