28 Mar 26
Hurumende yakazivisa nezve mutemo unorambidza kupinzwa munyika kwembatya dzakambopfekwa kana kuti dzakamboshandiswa pasi pemutemo statutory Instrument 59 of 2026 , Control of goods (Import and Export)(Commerce)(Amendment)Regulations,2026 (No. 15).
Mvumo inotendedzwa chete kuzvinhu zviri kugoverwa serubatsiro.
Asi kupinzwa kwembatya dzemukati dzakamboshandiswa hakutendedzwi zvachose.
Hurumende iri kutora matanho ose aya senzira yekudzivirira veruzhinji kuzvirwere zvinogona kutapurirwa nembatya idzi ,asi zvekare kusimudzira mabasa ekusonwa nekutengeswa kwembatya dzemuno.
Vari mumabasa ekusonwa kwembatya vanoti idanho rakanaka ratorwa nehurumende kusimudzira mabasa avo ,asi zvakare pachine zvizhinji zvinoda kuti zvigadziriswe kuitira kuti mabasa avo agoburitsa zvigadzirwa zvine mitengo yakaderera iyo inokwaniswa neveruzhinji’
‘’idanho rakanaka chose kusimudzira mabasa edu ,asi pachine zvizhinji zvinoda kugadziriswa kusanganisira kuwanikwa kwezvatinoshandisa pakusona zvine mitengo yakaderera.’’
‘’pari zvino micheka inoshandiswa mukosona ,mizhinji iri kubva kunze kwenyika uye zvakare imwe yacho ine mitengo yepamusoro’’ akadaro Everjoy Ndlovu uyo anebhizimusi rake rekusona mbatya muguta reKwekwe.
Nekuda kwekuoma kwemamiriro ezveupfumi munyika vazhinji vanga vachitenga mbatya dzemabhero sezvo dzine mutengo wakaderera.
Posted on:07 Aug 2025
Posted on:11 Feb 2025
Posted on:22 Nov 2024
Posted on:02 Jul 2024
Posted on:06 Feb 2024
Posted on:21 Nov 2023
Posted on:16 Nov 2023
Posted on:05 Jun 2023
Posted on:14 Dec 2022
Posted on:01 Nov 2022