Hurumende yakatigonera nekuwanisa dunhu redu mvura - Ishe Gwebu


27 Aug 25

Click here to watch video

Munyori :Tonderai Mari

Buhera - Vagari vekwa Ishe Gwebu kubuhera mudunhu reManicaland vari kufara nechirongwa chekuwaniswa mvura chakaparurwa gore rapera munzvimbo iyi icho chavanoti chave kubereka zvibereko.

Ishe Richman Gwebu vakati ivo vanotenda chose nechirongwa chakaitwa nehurumende mudunhu ravo ,umo makacherwa zvibhorani uye kuparurwa kwechirongwa chemadiridziro.

‘‘Tinoda kutenda hurumende zvikuru mutungamiri wenyika kuburikidza nechirongwa ichi’’

‘‘kuwaniswa kwemvura idanho guru mukurerutsira upenyu hwevagari vemuno’’

‘‘madiridziro anotsigira zvikuru chirongwa chekuwanisa zvokudya chezhunde raMambo ,icho chinobatsira vanoshaya kana vanenge vawirwa nenjodzi’’

‘‘kutaura kudai tine chibage chisati chatsokonyorwa chatakakohwa munguva yapfuura iyi ,izvi zvinotibatsirawo kuti tigone kuwanisa kudya kune vanoshaya munzvimbo yedu’’ vakadaro Ishe Gwebu.

Pazvikoro zveGwebu Puraimari neSekondari pakacherwa zvibhorani izvo zvakapedza dambudziko rekushaikwa kwemvura yekushandisa mumabasa akatsaukana.

Zvave nyore kuti varairidzi nevadzidzi vawane mvura pedyo uyewo zvirongwa zvemadiridziro pazvikoro izvi zviri kufambira mberi zvakanaka chose.

‘‘nguva yaisitorwa nevadzidzi kunochera mvura kumatsime emunharaunda yave kushandiswa zvakakwana muzvidzidzo zvavo’’

‘‘vadzidzisi nevagari vemunharaunda vave kukwanisa kuwana zvekudya zvinobva mumapindu anodiridzirwa pachikoro’’

‘‘mari inowanikwa mukutengeswa kwezvirimwa yave kushandiswawo mamwe mabasa ekuvandudza chikoro’’akadaro lucky Nkomo mugari wenzvimbo iyi.

Nzvimbo yekwaIshe Gwebu inozivikanwa zvikuru nemabasa ekurima nekuda kweivhu ravo rakanaka mumabasa aya.

Makore adarika mvura ichiri kunaya zvakanaka vazhinji kubva kumatunhu akakomberedza vayi uya kuzhoshuzha zvekudya.

Asi nekushanduka kwemamiriro ekunze mvura hayichanayi yakakwanira izvo zvokonzera kuti goho rinobva munzvimbo iyi ringe rakaderera zvikuru.

Zichakadaro Ishe Gwebu vakati ivo vari kushushikana nekushaikwa kwevarairidzi vanodzidzisa rurimi rweIsindebele pachikoro cheGwebu Sekondari izvo zviri kukanganisa vadzidzi zvikuru.

‘‘vana pavanobva kuPuraimari vari kushaya vanozovachikungura pavanenge vave kutanga Form 1 ,sezvo pasina varairidzi vacho’’

‘‘Zvino kuti vana vazotanga kudzidza chishona vave Form 1 ,zvinobva rave dambudziko guru’’ vakadaro Ishe Gwebu.

Vagari vnzvimbo iyi voti zvakare mugwagwa wavo wavekuda kugadzirwa sezvo vane motikari duku vokundikana kufamba zvakanaka.